1 Kings 21

Munda weMizambiringa waNabhoti

1Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. 2Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.”

3Asi Nabhoti akapindura akati, “Jehovha ngaazvirambidze kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.”

4Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubhedha wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya.

5Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?”

6Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ”

7Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.”

8Naizvozvo akanyora matsamba muzita raAhabhu, akadhinda chidhindo chake padziri, akadzitumira kuvakuru nokumachinda aaigara nawo muguta raNabhoti.

9Mumatsamba aya akanyora akati:

“Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu.
10Asi gadzai nhubu mbiri pakatarisana naye uye mugoita kuti dzipupure dzichiti akatuka Mwari namambo. Ipapo mutorei muende naye kunze mugomutaka namabwe kusvikira afa.”

11Saka vakuru namachinda vaigara muguta raNabhoti vakaita sezvakanga zvarayirwa naJezebheri mumatsamba aakanga avanyorera. 12Vakadaidzira zuva rokutsanya ndokugadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. 13Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa. 14Ipapo vakatumira shoko kuna Jezebheri vachiti, “Nabhoti atakwa namabwe uye afa.”

15Jezebheri paakangonzwa chete kuti Nabhoti akanga atakwa namabwe akafa, akati kuna Ahabhu, “Simukai muende mundotora munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri waakaramba kukutengeserai. Haachisiri mupenyu, asi afa.” 16Ahabhu paakanzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka akaenda kundotora munda wemizambiringa waNabhoti.

17Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti, 18“Buruka pasi undosangana naAhabhu mambo weIsraeri, uyo ari kutonga muSamaria. Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, waaenda kundotora. 19Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Hauna here kuuraya munhu ukamutorera zvinhu zvake?’ Ipapo uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Panzvimbo yakananzvwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzva ropa rakowo ipapo, hongu, rako!’ ”

20Ahabhu akati kuna Eria, “Saka wandiwanaka, muvengi wangu!”

Akapindura akati, “Ndakuwana nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
21‘Ndichauyisa dambudziko guru pamusoro pako. Ndichaparadza vana vako ndigouraya murume wose weimba yaAhabhu muIsraeri, muranda neasiri muranda. 22Ndichaita kuti imba yako ifanane neyaJerobhoamu mwanakomana waNebhati neyaBhaasha mwanakomana waAhija, nokuti waita kuti ndishatirwe uye waita kuti Israeri iite chivi.’

23“Zvino kana ari Jezebheriwo, Jehovha anoti: ‘Imbwa dzichadya Jezebheri pamasvingo eJezireeri.’

24“Imbwa dzichadya avo vaAhabhu vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira musango.”

25Hapana kumbova nomunhu akaita saAhabhu, akazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naJezebheri mukadzi wake. 26Akaita zvinonyangadza kwazvo nokutevera zvifananidzo, sezvakanga zvaitwa navaAmori, avo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

27Ahabhu paakanzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akatsanya. Akapfeka masaga akafamba achizvininipisa.

28Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Eria muTishibhi richiti, 29“Waona here kuti Ahabhu azvininipisa sei pamberi pangu? Nokuti azvininipisa, handichauyisa dambudziko guru iri mumazuva ake, asi ndichariuyisa paimba yake mumazuva omwanakomana wake.”

Copyright information for SnaBDSC